2 Chronicles 9

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

1Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake. 2Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire. 3Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka, 4zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapererwa.

5Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi. 6Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa. 7Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu. 8Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”

9Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviri
matani angaita 4
egoridhe, zvinonhuhwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuhwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.

10(Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha. 11Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha).

12Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake.

Upfumi hwaSoromoni

13Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatu
matani angaita 23
pagore roga roga,
14tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni.

15Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeri
makirogiramu angaita 3.5
egoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe.
16Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatu
makirogiramu angaita 1.7
egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni.

17Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka. 18Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo. 19Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo. 20Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe rakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa. 21Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana zvaifambiswa navanhu vaHiramu. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.

22Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika. 23Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make. 24Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuhwira, namabhiza nembongoro.

25Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva. 26Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti. 27Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye kuti misidhari iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo. 28Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.

Kufa kwaSoromoni

29Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati? 30Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana. 31Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Copyright information for SnaBDSC